Kuburikidza nenhau yekuti Mwari akashandisa sei varwi vaGideoni mazana matatu kuti vakunde vavengi 135 000 uye nyaya yekuti Joshua akakunda Jeriko nokuitenderera nokudanidzira, tinogona kuona kuti pese pane kuteerera shoko raMwari, pane zvishamiso zvakare.
Mushure menguva yaBaba neyoMwanakomana, munguva ino yeMweya Mutsvene, avo vanotevera mashoko aKristu Ahnsahnghong naMwari Mai, “Paridzai vhangeri kumarudzi ose. Batanai murudo,” nemwoyo unoteerera, vachaona zvishamiso.
Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama. Mwari “achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.” VaRoma 2:5–6
Akati kwavari, “Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose. Ani naani anotenda uye akabhabhatidzwa achaponeswa, asi asingatendi achatongwa.” Mako 16:15–16
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy