Mwari Ane Simba, Baba Vokusingaperi, akauya pasi pano, akarovererwa, uye akashingirira kunyombwa, kuzvidzwa, uye kutambudzwa nevanhu vasingaverengeki. Zvakadaro hazvo, akatsungirira zvose izvi chinyararire kuti awane vanhu vake vechokwadi, avaregerere matadzo avo ose, uye avaponese.
Muurongwa hwekuponesa vana vekudenga, Jesu pakuuya kwake kwekutanga, Kristu Ahnsahnghong pakuuya kwake kechipiri, uye Mai Vekudenga Jerusarema vose vakauya panyika ino panyama. Maererano nouporofita, iyi inzira isingadzivisiki inosanganisira mazuva okusuwa, anoteverwa namazuva omufaro apo kubwinya kuchagamuchirwa. Mukuwirirana chipikirwa neichi, kubwinya kwaMwari Mai, avo vanotungamirira Kereke yaMwari zvino, kuri kuratidzirwa munyika yose.
[A]si Jesu akati kwavari, “Ndakakuratidzai mabasa esimba mazhinji kubva kuna Baba. Nderipiko basa ipapa ramunoda kunditakira namabwe?” Vakamupindura vachiti, “Hatisi kukutakira basa ripi zvaro ipapa, asi nokuda kwokumhura Mwari, nokuti iwe, munhuwo zvake, unozviti uri Mwari.” Johane 10:32–33
Zuva rako harichazovirizve, uye mwedzi wako hauchazoperizve; Jehovha achava chiedza chako chisingaperi, uye mazuva okuchema kwako achaguma. Isaya 60:20
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA 
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy